1 “Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?
2 Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano.
3 Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa.
4 Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.