12 Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.
13 Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.
14 Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
15 Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.
16 Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wayo.
17 “Akaropafadzwa munhu anorangwa naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
18 Nokuti anokuvadza, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.