16 Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wayo.
17 “Akaropafadzwa munhu anorangwa naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
18 Nokuti anokuvadza, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.
19 Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.
20 Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.
21 Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.
22 Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.