23 Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.
24 Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.
25 Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.
26 Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.
27 “Takazviedza izvi, uye ichokwadi. Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”