4 Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.
5 Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.
6 Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu.
7 Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.
8 “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.
9 Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
10 Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.