7 Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.
8 “Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.
9 Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
10 Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.
11 Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kurugare.
12 Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.
13 Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.