1 Ipapo Jobho akapindura akati:
2 “Dai chete kurwadziwa kwangu kwaigona kuyerwa uye kusuwa kwangu kwaiiswa pachiyero!
3 Zvirokwazvo zvairema kupfuura jecha ramakungwa, hazvishamisi kana mashoko angu aiva okuvhurumuka.
4 Miseve yoWamasimba Ose iri mandiri, mweya wangu unonwa muchetura wayo; kutyisa kwaMwari kwagadzirira kurwa neni.
5 Ko, mbizi ingachema kana ine bundo here? Ko, nzombe inokuma kana ine zvokudya here?
6 Ko, chokudya chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here? Ko, chichena chezai chinonaka here?
7 Ndinoramba kuzvibata; zvokudya zvakadai zvinondirwarisa.