11 “Ndinaro here simba, rokuti ndirambe ndine tariro? Tariro yacho ndeyeiko kuti nditsungirire?
12 Ko, ndine simba rebwe here? Ko, nyama yangu indarira here?
13 Ko, ndine simba ripi zvaro kuti ndizvibatsire, sezvo zvino kubudirira kwakabviswa kwandiri?
14 “Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake, kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.
15 Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira. Sezvinongoita hova dzopfachukira,
16 dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando, uye dzinozadzwa nechando,
17 asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa, uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa.