15 Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira. Sezvinongoita hova dzopfachukira,
16 dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando, uye dzinozadzwa nechando,
17 asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa, uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa.
18 Vafambi vanotsauka munzira dzavo; vanoenda kumakura ndokuparara.
19 Vafambi veTema vanotsvaka mvura, vashambadziri veShebha vanomirira netariro.
20 Vakanyadziswa, nokuti vaivimba nesimba ravo; vakasvikapo, ndokuora mwoyo.
21 Zvino nemiwo maratidza kusabatsira; munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya.