18 Vafambi vanotsauka munzira dzavo; vanoenda kumakura ndokuparara.
19 Vafambi veTema vanotsvaka mvura, vashambadziri veShebha vanomirira netariro.
20 Vakanyadziswa, nokuti vaivimba nesimba ravo; vakasvikapo, ndokuora mwoyo.
21 Zvino nemiwo maratidza kusabatsira; munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya.
22 Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo, ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu,
23 ndirwirei muruoko rwomuvengi, ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here?
24 “Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu; ndiratidzei pandakakanganisa.