23 ndirwirei muruoko rwomuvengi, ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here?
24 “Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu; ndiratidzei pandakakanganisa.
25 Mashoko echokwadi anorwadza sei! Asi gakava renyu rinoratidzeiko?
26 Munoda kutsiura zvandareva, nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here?
27 Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera nokutengesa shamwari yenyu.
28 “Asi zvino chinditarirai netsitsi. Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here?
29 Musadaro, musava vasakarurama; fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kwava parumananzombe.