26 Munoda kutsiura zvandareva, nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here?
27 Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera nokutengesa shamwari yenyu.
28 “Asi zvino chinditarirai netsitsi. Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here?
29 Musadaro, musava vasakarurama; fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kwava parumananzombe.
30 Ko, pamiromo yangu pane zvakaipa here? Ko, muromo wangu haugoni kunzvera zvakaipa here?