1 “Ko, munhu haabati zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita soomushandi here?
2 Senhapwa inoshuva mimvuri yamadekwana, kana mubati akamirira kwazvo mubayiro wake,
3 saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.
4 Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshandukashanduka kusvikira mambakwedza.