7 Rangarirai henyu, imi Mwari kuti upenyu hwangu hunongova mweya zvawo; meso angu haachazoonizve mufaro.
8 Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.
9 Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburikira kubwiro haadzokizve.
10 Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.
11 “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,
12 Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?
13 Pandinofunga, mubhedha wangu unondivaraidza, uye mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,