1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
2 “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.
3 Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here?
4 Vana vako pavakamutadzira, akavapa kurangwa kwechivi chavo.
5 Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose,
6 kana uri mutsvene uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.