10 Ko, havangakudzidzisi nokukuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?
11 Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?
12 Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.
13 Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.
14 Zvaanovimba nazvo hazvina simba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.
15 Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri.
16 Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;