19 Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.
20 “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka kana kusimbisa maoko avaiti vezvakaipa.
21 Iye achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza.
22 Vavengi vako vachashongedzwa nenyadzi, uye matende avakaipa haachazovapozve.”