6 kana uri mutsvene uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.
7 Kunyange mavambo ako akanga ari maduku, magumo ako achava makuru.
8 “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,
9 nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.
10 Ko, havangakudzidzisi nokukuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?
11 Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?
12 Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.