1 Ipapo Jobho akapindura akati:
2 “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko?
3 Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete panguva ine chiuru.
4 Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?
5 Anobvisa makomo iwo asingazivi ndokuapidigura pakutsamwa kwake kukuru.
6 Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke.