12 Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’
13 Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rikawira patsoka dzake.
14 “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?
15 Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.
16 Kunyange dai ndikamudana hangu uye iye akandipindura, handitendi kuti aizonditeerera.
17 Aizondipwanya nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.
18 Haaizonditenderazve kuti ndiwane upenyu, asi aizondizadza namatambudziko.