16 Kunyange dai ndikamudana hangu uye iye akandipindura, handitendi kuti aizonditeerera.
17 Aizondipwanya nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.
18 Haaizonditenderazve kuti ndiwane upenyu, asi aizondizadza namatambudziko.
19 Kana zviri zvesimba, iye ane simba! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge?
20 Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka.
21 “Kunyange ndakarurama, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu.
22 Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vakarurama navakaipa.’