31 imi muchandinyudza mugomba renhope zvokuti nenguo dzangu dzichandisema.
32 “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva.
33 Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose,
34 mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve.
35 Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.