9 Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni nedzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.
10 Anoita minana isingagoni kuyerwa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
11 Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni.
12 Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’
13 Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rikawira patsoka dzake.
14 “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?
15 Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.