3 Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka.
4 Dzakafanana namabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo.
5 Nomutinhiro sowengoro dzinokwakuka napamusoro pamakomo dzichidya mashanga somoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa.
6 Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso.
7 Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo.
8 Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
9 Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha.