1 Joshua akati akwegura ava namakore mazhinji kwazvo, Jehovha akati kwaari, “Wakwegura kwazvo, uye kuchine nzvimbo zhinji dzinofanira kutorwa.
2 “Iyi ndiyo nyika yasara: nyika dzose dzavaFiristia, navaGeshuri:
3 Kubva kuRwizi rweShihori kumabvazuva kweIjipiti, kusvikira kudunhu reEkironi nechokumusoro, iyo yose yainzi ndeyavaKenani (matunhu amadzishe mashanu avaFiristia muGaza, Ashidhodhi, Ashikeroni, Gati, neEkironi neravaAvhiti);
4 kubva zasi nyika yose yavaKenani, kubva kuAi yevaSidhoni kusvikira kuAfeki, nyika yavaAmori,
5 nenyika yavaGebhari, uye neRebhanoni yose kumabvazuva, kubva paBhaari Gadhi muzasi meGomo reHemoni, kusvikira paRebho Hamati.