1 Joshua akati akwegura ava namakore mazhinji kwazvo, Jehovha akati kwaari, “Wakwegura kwazvo, uye kuchine nzvimbo zhinji dzinofanira kutorwa.
2 “Iyi ndiyo nyika yasara: nyika dzose dzavaFiristia, navaGeshuri:
3 Kubva kuRwizi rweShihori kumabvazuva kweIjipiti, kusvikira kudunhu reEkironi nechokumusoro, iyo yose yainzi ndeyavaKenani (matunhu amadzishe mashanu avaFiristia muGaza, Ashidhodhi, Ashikeroni, Gati, neEkironi neravaAvhiti);
4 kubva zasi nyika yose yavaKenani, kubva kuAi yevaSidhoni kusvikira kuAfeki, nyika yavaAmori,
5 nenyika yavaGebhari, uye neRebhanoni yose kumabvazuva, kubva paBhaari Gadhi muzasi meGomo reHemoni, kusvikira paRebho Hamati.
6 “Kana vari vanhu vose vanogara munyika dzamakomo kubva kuRebhanoni kusvika kuMisirefoti Maimi, zvichireva vaSidhoni vose, ini pachangu ndichavadzinga pamberi pavana vaIsraeri. Unofanira kugovera nyika iyi kuvana vaIsraeri kuti ive nhaka yavo sezvandakurayira,