60 Kiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi) neRabha ndiwo maguta maviri nemisha yawo.
61 Murenje maiva ne:Bheti Arabha, Midhini, Sekaka,
62 Nibhishani, Guta roMunyu, neEni Gedhi ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo.
63 Judha haana kukwanisa kudzinga vaJebhusi vakanga vachigara muJerusarema; nanhasi vaJebhusi vageremo navanhu veJudha.