33 Maguta ose emhuri dzavaGerishoni akanga ari gumi namatatu pamwe chete namafuro awo.
34 Dzimba dzavaMerari (vakasara vavaRevhi) vakapiwa:kubva kurudzi rwaZebhuruni, Jokineami, Katira,
35 Dhimina neNaharari, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
36 kubva kurudzi rwaRubheni, Bhezeri, Jahazi,
37 Kedhemoti neMefaati, pamwe chete namafuro awo, maguta mana;
38 kubva kurudzi rwaGadhi, Ramoti muGireadhi (guta routiziro rouya anenge apomerwa mhosva yokuuraya munhu),
39 Heshibhoni neJazeri, pamwe chete namafuro awo, maguta mana pamwe chete.