20 Akani mwanakomana waZera paakadarika nokusatenda pachinhu chakatsaurwa naJehovha, kutsamwa hakuna kuwira ungano yose yaIsraeri here? Haasi iye oga akafira chivi chake.’ ”
21 Ipapo Rubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase vakapindura vakuru vedzimba dzaIsraeri vakati,
22 “Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Anoziva! Uye Israeri ngaizive! Kana izvi kwanga kuri kumukira kana kusateerera Jehovha, musatiponesa nhasi.
23 Kana takazvivakira aritari yedu kuti tifuratire Jehovha uye kuti tipe zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, kana kuti tibayire zvibayiro zvokuwadzana pamusoro payo, Jehovha pachake ngaatitonge.
24 “Kwete! Takazviita tichitya kuti rimwe zuva zvizvarwa zvenyu zvichazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Mune chii chokuita naJehovha Mwari waIsraeri?
25 Jehovha akaita kuti Jorodhani uve muganhu pakati pedu nemi, imi vaRubheni navaGadhi! Hamuna mugove muna Jehovha.’ Saka zvizvarwa zvenyu zvingangokonzera kuti zvizvarwa zvedu zvirege kutya Jehovha.
26 “Ndokusaka takati, ‘Ngatizvigadzirirei tivake aritari, asi isiri yezvipiriso zvinopiswa kana yezvibayiro.’