16 “Rayira vaprista vakatakura areka yeChipupuriro kuti vabude kubva muJorodhani.”
17 Saka Joshua akarayira vaprista achiti, “Budai muJorodhani.”
18 Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vachangobuda kubva pakati peJorodhani, tsoka dzavo dzichangotsika ivhu rakaoma, mvura yeJorodhani yakadzokera panzvimbo yayo ikazara kusvika nokumahombekombe ose.
19 Pazuva regumi romwedzi wokutanga vanhu vakabuda kubva muJorodhani vakavaka misasa paGirigari pamuganhu wokumabvazuva eJeriko.
20 Zvino Joshua akamisa matombo gumi namaviri paGirigari avakanga vatora kubva muJorodhani.
21 Akati kuvaIsraeri, “Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza madzibaba avo vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’
22 muvataurire kuti, ‘Israeri yakayambuka Jorodhani pavhu rakaoma.’