1 Zvino madzimambo ose aigara kumavirira kweJorodhani navaiva munyika yamakomo, mujinga mamakomo kumadokero, mumahombekombe ose eGungwa Guru kusvikira kuRebhanoni (madzimambo avaHiti, navaAmori, navaKenani, navaPerizi, navaHivhi navaJebhusi).
2 Vakaungana pamwe chete kuti varwisane naJoshua navaIsraeri.
3 Asi vanhu veGibheoni pavakanzwa zvakanga zvaitwa Jeriko neAi naJoshua,
4 vakafunga zano: Vakaenda senhume nembongoro dzavo dzakatakura masaga akasakara nehomwe dzewaini dzakasakara, dzakatsemuka dzikasonanidzwazve.