4 vakafunga zano: Vakaenda senhume nembongoro dzavo dzakatakura masaga akasakara nehomwe dzewaini dzakasakara, dzakatsemuka dzikasonanidzwazve.
5 Varume vakapfeka shangu dzakasakara. Zvingwa zvese zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha.
6 Ipapo vakaenda kuna Joshua mumusasa paGirigari ndokubva vati kwaari nokuvarume veIsraeri, “Tabva kunyika iri kure; zvino itai sungano nesu.”
7 Zvino varume veIsraeri vakati kuvaHivhi, “Asi zvichida munogara pedyo nesu. Tingagoita sungano nemi sei?”
8 Ivo ndokuti kuna Joshua, “Tiri varanda venyu.” Asi Joshua akavabvunza achiti, “Ndimi vanaani uye munobvepi?”
9 Ivo vakati kwaari, “Varanda venyu vabva kunyika iri kure kure nokuda kwomukurumbira waJehovha Mwari wenyu. Nokuti takanzwa nezvake: zvose zvaakaita muIjipiti,
10 uye nezvose zvaakaita kumadzimambo maviri avaAmoni kumabvazuva eJorodhani nokuna Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, aitonga muAshitaroti.