1 Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake.
2 Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;
3 zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.
4 Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.
5 Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.