13 Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
14 Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
15 Akandigutsa nomuriwo unovava. uye akandinwisa nduru.
16 Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
17 Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.
18 Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
19 Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.