14 Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
15 Akandigutsa nomuriwo unovava. uye akandinwisa nduru.
16 Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
17 Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.
18 Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
19 Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.
20 Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.