20 Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
21 Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:
22 Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.
23 Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
24 Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”
25 Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;
26 chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.