32 Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi.
33 Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.
34 Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,
35 kurambira munhu kodzero yake pamberi poWokumusoro-soro,
36 kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?
37 Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?
38 Ko, hazvibvi mumuromo woWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?