34 Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,
35 kurambira munhu kodzero yake pamberi poWokumusoro-soro,
36 kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?
37 Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?
38 Ko, hazvibvi mumuromo woWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?
39 Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?
40 Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uye ngatidzokerei kuna Jehovha.