4 Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.
5 Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.
6 Akandigarisa murima savanhu vakanguri vafa.
7 Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani.
8 Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze.
9 Akadzivirira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.
10 Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,