41 Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:
42 “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.
43 Makazvifukidza nokutsamwa mukadzingana nesu; makauraya musinganzwiri ngoni.
44 Makazvipfukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.
45 Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.
46 “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.
47 Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”