45 Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.
46 “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.
47 Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”
48 Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.
49 Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,
50 kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.
51 Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu. nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.