9 Akadzivirira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.
10 Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,
11 akandikwekweredza kubva munzira nokundibvarura-bvarura. akandisiya ndisina rubatsiro.
12 Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa chemiseve yake.
13 Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
14 Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
15 Akandigutsa nomuriwo unovava. uye akandinwisa nduru.