1 Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:
2 Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.”
3 Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva?
4 Marudzi anouya uye marudzi anoenda, asi nyika inogara nokusingaperi.
5 Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.
6 Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi, yozodzokera kumusoro; inotenderera nokutenderera ichingodzokerazve pagwara rayo.