12 Munhu mumwe chete angakurirwa simba, asi vaviri vanozvidzivirira. Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
13 Jaya murombo asi rakachenjera riri nani kupfuura mambo mutana nebenzi, asisazivi kuteerera kana achipiwa yambiro.
14 Jaya ringava rakabva mutorongo rikazova mambo, kana angava akaberekwa ari muurombo, muushe hwokwake.
15 Ndakaona kuti vose vapenyu vakafamba pasi pezuva vakatevera jaya, rakazotevera panzvimbo yamambo.
16 Vakanga vasingaverengeki vanhu vose vaaitonga. Asi vakazouya pashure havana kufadzwa neakange achitonga panzvimbo yamambo. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.