17 Usava munhu akanyanyisa kuipa, uye usava benzi. Ungada kufa nguva yako isati yakwana?
18 Zvakanaka kubatisisa chimwe chinhu, uye usingaregedzi chimwe chacho chichienda. Munhu anotya Mwari acharega kuita zvinopfurikidza.
19 Uchenjeri hunoita kuti mumwe munhu akachenjera ave nesimba guru kupfuura vatariri gumi vari muguta.
20 Hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka uye asingatadzi.
21 Usava nehanya namashoko ose anotaurwa navanhu, zvichida ungangonzwa muranda wako achikutuka,
22 nokuti unoziva mumwoyo mako kuti nguva zhinji iwe pachako wakambotuka vamwe.
23 Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri ndikati,“Ndakazvipira kuva munhu akachenjera,” asi izvi zvaiva kure neni.