5 Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera, pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.
6 Sokuputika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi. Naizvozviwo hazvina maturo.
7 Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi, uye fufuro inosvibisa mwoyo.
8 Magumo echinhu anopfuura mavambo acho, uye mwoyo murefu unopfuura kuzvikudza.
9 Usakurumidza kutsamwa pamweya wako nokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi.
10 Usati, “Sei mazuva akare ari nani kupfuura azvino?” Nokuti hazvina kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadaro.
11 Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka, uye hunobatsira avo vanoona zuva.