Nehemia 10:31-37 BDMCS

31 “Kana vanhu vatakavakidzana navo vakauya nezvokutengesa kana zviyo kuzotitengesera neSabata, hatizovatengeri nomusi weSabata kana pazuva ripi zvaro dzvene. Pagore rechinomwe roga roga ticharegedza kushanda muminda uye tichadzima zvikwereti zvose.

32 “Tinozvipira kuita zvakarayirwa kuti tipe chetatu cheshekeria gore negore kushumiro yeimba yaMwari wedu:

33 kuchingwa chakaiswa patafura, kuzvipiriso zvenguva nenguva zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nomoto, kuzvipiriso zvinopiwa pamaSabata nokumitambo yoKugara kwoMwedzi uye nokumitambo yakatarwa, kuzvipiriso zvitsvene; kuzvipiriso zvechivi zvokuyananisira Israeri, nokumabasa ose omuimba yaMwari.

34 “Isu vaprista, navaRevhi uye navanhu, takanda mijenya kuti tione kuti mhuri imwe neimwe yedu inouya rini kuimba yaJehovha Mwari wedu, nechipo chehuni dzinopiswa paaritari yaJehovha Mwari wedu, panguva yakatarwa, gore negore, sezvazvakanyorwa mumurayiro.

35 “Tazvipirazve pabasa rokuuya kuimba yaJehovha nezvibereko zvokutanga zvezviyo nezvemiti yemichero yose gore negore.

36 “Tichauya namatangwe avanakomana vedu neemombe dzedu, neezvipfuwo zvedu neemakwai edu kuimba yaMwari wedu, nokuvaprista vanoshumira imomo, sezvazvakanyorwa muMurayiro.

37 “Pamusoro pezvo, tichauyisa kumatura eimba yaMwari wedu, nokuvaprista, zvibereko zvokutanga zvevhu, zvipiriso zvedu zvezviyo, nezvemiti yose yemichero nezvewaini yedu itsva uye namafuta. Uye tichauyisa chegumi chezviyo zvedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanounganidza zvegumi mumaguta ose atinoshanda.