1 Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo.
2 Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema.
3 Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, vaprista, vaRevhi, vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vakagara mumaguta aJudha, mumwe nomumwe panzvimbo yake mumaguta akasiyana-siyana,
4 kwozoti vamwe vanhu vaiva vokwaJudha nokwaBhenjamini vakagara muJerusarema): Vaibva kuzvizvarwa zvaJudha vaiti: Ataya mwanakomana waUzia, mwanakomana waZakaria, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri, chizvarwa chaPerezi;