1 Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhia uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo,
2 Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vakati, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa.
3 Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?”
4 Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose.