1 Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhia uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo,
2 Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vakati, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa.
3 Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?”
4 Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose.
5 Zvino, Sanibharati akatumazve muranda wake kwandiri kechishanu, neshoko rimwe chetero netsamba mumaoko ake yakanga isina kunamwa.
6 Yakanga yakanyorwa zvinoti: “Pakati pamarudzi zvinotaurwa kuti, uye Geshemu anotiwo ichokwadi, iwe navaJudha muri kurangana kumukira mambo, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Pamusoro pezvo, iwe wava kuda kuva mambo wavo sokutaurwa kwazvo.
7 Uye wakatogadza vaprofita kuti vataure pamusoro pako muJerusarema vachiti: ‘MuJudha mava namambo!’ Zvino nyaya iyi ichasvika kuna mambo, saka uya titaurirane.”